MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti haibvumirani nemashoko akaburitswa nemunyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao, neChipiri, ekuti nhaurirano dzekuvaka hurumende yemubatanidzwa dziri kuvhiringwa negakava riripo panyaya yekuti ndiyani achatora bazi rezvemukati menyika, kana kuti Home Affairs.
Sekutaura kuri kuita mutori wenhau weStudio7, Irwin Chifera, munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti vaudza vatori venhau kuti havasi kufara nemashoko eSADC, sezvo isiri kuburitsa pachena zvose zvaita kuti gakava iri ritadze kupera.
VaSalamao vaudzawo Studio 7 kuti ichokwadi kuti chibvumirano chakanyoreranwa pasi musi waGunyana 11, chakasiyana nezviri mugwaro rakazonyoreranwa pasi musi waGunyana 15, kunyange hazvo izvi zvisina kuiswa mugwaro raburitswa neSADC Troika neChipiri.
Ukuwo mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vanoti vane chivimbo chekuti musangano mukuru weSADC, uchagadzirisa dambudziko reZimbabwe.
Asi vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti zviri kuvakuru vezvematongerwo enyika munyika kuti vaone kuti chibvumirano ichi chabudirira.
Vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti havaoni SADC Summit ichibudirira kuburitsa Zimbabwe mukanwa mamupere kunze kwekunge yavataurira chokwadi chekuti vanofanira kupa VaTsvangirai masimba akafanira.