Accessibility links

Breaking News

Gakava reZimbabwe Rozeyiwa neSADC Troika


Musangano weSADC Troika wekuzeya gakava riri muZimbabwe, watanga muHarare neMuvhuru, vatungamiri vezve matongerwo enyika vachiedza kutsvaga nzira dzekupedza gakava riri munyika.

Vari kunetsana zvikuru mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe. Vaviri ava vari kunetsana pamusoro penyaya yekugovanwa kwemapazi emahurumende. Zvinzonzi VaMugabe vari kuda kutora mapazi ose akakosha, vachipa MDC mapazi asina basa.

Musangano uyu uri kupindwawo nemutungamiri mutsva weSouth Africa, uye vari sachigaro veSADC, VaKgalema Motlanthe.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti nhasi ndiro zuva rekusvitsa nyaya yanetsa pakati paVaMugabe naVaTsvangirai kumagumo, sezvo paunganwa nevatungamiri venyika dzemuSADC Troika, kuti vapedze gakava iri. Professor John Makumbe vati maonero avo, vatungamiri vaungana muHarare ava havasi vanhu vanganyara kuudza VaMugabe kana VaTsvangirai chokwadi.

Professor Makumbe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti kuvepowo kwemutungamiri mutsva weSouth Africa, VaKgalema Monthlante, pamusangano uyu chimwe chinhu chinosimbisa nhaurirano idzi zvakare.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG