Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yozeya neMuvhuro Gakava Riri Pakati paVaTsvangirai naVaMugabe

Nyaya yekunyimwa gwaro rekufambisa kumutungamiri we MDC, uye vari mutungamiri wehurumende akamirira kugadzwa muhurumende yemubatanidzwa, VaMorgan Tsvangirai, inogona kuva iyo ichatonetsa zvikuru pamusangano wakakokerwa neSADC Troika, wekuyedza kupedza gakava rekuumba hurumende yemubatanidzwa pakati peZanu-PF neMDC.

Musangano uyu uri kuitirwa muHarare neMuvhuro. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti nyaya yekunyima VaTsvangirai gwaro rekufambisa, chiratidzo chekuti Zanu-PF haisi kuita nhaurirano nemwoyo wose.

Kunyange hazvo hurumende ichiti hakuna mapepa ekugadzirisa magwaro aya, vanhu vari kuenda kuhofisi yaRegistrar General kunotora ma passport echimbichimbi, vari kuapihwa mushure mekubhadhara madhora eku America mazana maviri nemakumi mashanu, kana kuti US$250.

Hofisi yaRegistrar General inotambirawo vanhu vanoda kuwana magwaro ekufambisa mukati rezuva rimwe chete, asi vanhu ava vanobvisiswa mari yakawanda.

Vatsvangirai vanonzi vakaenda kuhofisi yekwa Registrar General vachida kutsanangurirwa pamire magwaro avo, asi vakaudzwa kuti vaende kunoona gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi. Zvinonziwo VaTsvangirai vakasvitsa nyaya iyi kuna VaMohadi, asi vakaudzwa kuti vanotaura naVaMugabe.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaTsvangirai vakataura naVaMugabe nezve nyaya iyi, vakaudzwa kuti vaone VaTobaiwa Mudede, vanova Registrar General.

Nyaya yegwaro rekufambisa raVaTsvangirai iri mudare repamusoro soro reSupreme Court, iyo yakapa mutongo wekuti haringanzwi nyaya yaVaTsvangirai, sezvo isingakodzeri kuiswa panyaya dzinoda kunzwikwa nechimbichimbi.

Asi vamwe vakuru muZanu-PF vanoti kunyima gwaro VaTsvangirai kuri kuitwa nevamwe vakuru muZanu-PF vasiri kuda kuti nhaurirano dzibudirire, nekudaro vari kuda kuodza moyo waVaTsvangirai.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaTsvangirai havafanire havo kunyanyodemba nenyaya iyi, nekuti haina kukosha

VaJoy Mabhenge vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMabenge vanoti zvinoshoresa kuti munhu mukuru akaita saVaTsvangirai anyimwe gwaro rekufambisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG