Accessibility links

Breaking News

Masoja Oshungurudza  Vari Kuda Kutora Mari Dzavo muMabhanga


Masoja anonzi ari kushungurudza vanhu vanenge vari mumitsetse yekutora mari mumabhanga kuGokwe. Zvinonzi masoja aya ari kurova nekuitisa vanhu zvinhu zvinovadzikisa chimiro pamberi pevamwe vanenge vachidawo kutora mari dzavo, kana vanenge vachipfuurawo zvavo nenzira.

Mashoko atatambira anotiwo vamwe varairidzi vanga vari mumitsetse yekuda kutora mari dzavo dzemihoro, vazvambaradzwa nemasoja aya vachipomerwa mhosva yekupindira mumitsetse. Mazuva matatu apfuura, zvinonzi masoja aya akamanikidza mumwe mudzimai akanga akazvitakura, kuti akambaire kwezvinhambo zvingasvika mamita makumi mashanu, senzira yekumupfidzisa mushure mekunge apomerwa mhosva yekupindira.

Masoja aya anonzi ari pasi pechirongwa cheOperation Maguta, asi ava kuzvipa basa rekuchengetedza mitsetse yemumabhanga. Gokwe Centre inonzi ine mabhanga matanhatu, asi kushaikwa kwemari kuri kuita kuti vanhu vagare vari mumitsetse. Mabhanga mazhinji munyika ari kutarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari, izvo zvava kupa kuti vanhu vagare vari mumitsetse.

Mumwe murairidzi atya kudomwa nezita rake audza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti nemamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika, hapana anokwanisa kumisa masoja aya kuisa mutemo mumaoko mavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG