Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa aVaMugabe naVaTsvangirai Oramba Kupera


Mapisha pisha pakati peMDC neZanu-PF panyaya yehurumende yemubatanidzwa, ari kuramba achienderera mberi zvekuti vakawanda vave kutyira kuti chibvumirano ichi chave kuzotadza kushanda zvachose.

Vakuru mumapato ose vaudza Studio 7 kuti musangano weSADC uri kutarisirwa kuitwa munyika svondo rinouya, unogona kutadza kugadzirisa makakatanwa aripo pakati paVaMugabe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

Zanu-PF inoti VaTsvangirai ndivo vari kukanganisa nhaurirano. Ukuwo sachigaro wevakarwa hondo yerusununguko vakarerekera kuZanu-PF, VaJabulani Sibanda, vati vachaona zvavachaita naVaTsvangirai kana vakaramba kuumba hurumende yemubatanidzwa neZanu-PF.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vanotiwo VaTsvangirai havafanire kuda kuita kunge vakakura kudarika nyika.

Asi MDC inoti haisi kufara nehunhafu huri kuitwa naVaMugabe, avo vari kuda kutora zvigaro zvose zvakakosha mudare remakurukota.

MDC inotiwo haisi kufara zvachose nekunyimwa gwaro rekufambisa kuri kuitwa VaTsvangirai nehurumende yaVaMugabe. Nyaya yekunyima VaTsvangirai gwaro rekufambisa, yashorwawo zvakasimba nemutungamiri weANC, VaJacob zuma, avo vari kushanya muAmerica.

VaZuma vanoti hazvisi zvinhu zvinofadza kuti VaTsvangirai vanyimwe gwaro rekufambisa, ivo vari munhu ari kutarisirwa kuva mutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vanotiwo kana zvekutaurirana zvikakundikana, panofanira kuitwa sarudzo itsva yekutsvaga mutungamiri wenyika, nokuti gakava guru riripo, nderekuti ndiyani chaiye akasarudzwa nevanhu nenzira inotambirwa nepasi rose.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG