Accessibility links

Breaking News

Gakava reMDC neZanu PF Rotemesa SADC Musoro

Hurukuro pakati peMDC neZanu-PF idzo dziri kutarisirwa kutanga svondo rinouya, dzinogona kusabudirira zvakare. Izvi zvinotevera mashoko aburitswa neMDC ichinyunyuta pamusoro pemabatirwo ari kuitwa mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, nehurumende yaVaMugabe.

MDC inoti kunyimwa kwakaitwa VaTsvangirai gwaro rekufambisa kuti vaende kumusangano weSADC Troika neMuvhuro, kunoratidza kuti Zanu-PF haina chivimbo navo, uye haisi kutora nhaurirano nehudzamu.

Hurumende yakapa VaTsvangirai gwaro rekufambisa remazuva matatu, kana kuti Emergency Travel Document. MDC inoti izvi zvinoratidza kutsvinya kukuru kuri kuitwa neZanu PF.

Asi gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti VaTsvangirai vave kukanda mafeso mumugwagwa wenhaurirano nekuramba kuenda kumusangano weSADC neMuvhuro.

Asi MDC inoti VaTsvangirai havaifamba vasina magwaro avo, uye inoti kuda kubata VaTsvangirai semusungwa hakuna chimuko. Ichitaura pamusoro pemusangano weSADC svondo rinouya, MDC inoti igaroziva kuti musungwa haangakwanise kuita nhaurirano.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaTsvangirai vari kubatwa neseri kweruoko neZanu-PF, uye kana kutaurirana kwanetsa, panofanirwa kuitwa sarudzo dzinopedza gakava riripo.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti kunyima VaTsvangirai gwaro rekufambisa chinhu chinosvoresa nyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG