Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzosimuka kuenda kumusangano weSADC Troika ku Swaziland, kana hurumende isina kuvapa passport yavo. VaTsvangirai vanga vachifanirwa kunge vaende kumusangano weSADC Troika, uyo wanga uchitarisirwa kuzeya nyaya yegakava riri pakati paVaMugabe naVaTsvangirai.
Kunyange hazvo musangano uyu wabata bata dzimwe nyaya dzakaita seDemocratic Republic of Congo, musangano wekuzeya Zimbabwe unonzi watadza kuenderera mberi neMuvhuro sezvo VaTsvangirai vanga vasipo.
Zvinonzi VaTsvangirai vatadza kuenda kumusangano mushure mekunge vatadza kuwana vhiza rekupinda muSouth Africa. Bato reM-D-C rati VaTsvangirai vakapihwa neSvondo mapepa ekufambisa echimbi chimbi (emergency travel documents) anongoratidza kuti vari kuenda kuSwaziland chete.
Mukuedza kuti musangano uyu usafa, pane mashoko ekuti vatungamiri vemuSADC vaedza hurongwa hwekutumira ndege kuti itore VaTsvangirai.
Asi mutauriri waVatsvangirai,
VaGeorge Sibotshiwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti izvi hazvigoni sezvo VaTsvangirai vasina passport.
VaSibotshiwe vati chinofanirwa kuitwa neSADC kuudza VaMugabe kuti vape VaTsangirai
passport yavo yekufambisa.
Ukuwo,
mutungamiri werimwe bato reM-D-C, VaArthur Mutambara, vaudza Ntungamili Nkomo
weStudio7 kuti kana VaTsvangirai vasina kupinda mumusangano uyu, musangano uyu
unofanirwa kumiswa.
Nyanzvi
mune zvematongerwo enyika, Professor John Makumbe, vaudzawo Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti
VaMugabe vari kufarira kusaveko kwaVaTsvangirai kumusangano uyu, vakati dai
vaida vangadai vakashandisa masimba avo kuti VaTsvangirai vapiwe passport.