Sangano re European Union rinoti richapa Zimbabwe mari inosvika 15 million Euros yekutenga chikafu. Bepanhau repa Internet, re Zimonline, rinoti E-U yakaburitsa mashoko aya neChina apo pasi rose raicherechedza zuva rekupanza nzara pasi rose.
Ukuwo sangano reUnited Nations rinoti riri kumhanya mhanya richipemha mari yekuti ritengere vanhu vemuZimbabwe chikafu. Nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu vachange voda rubatsiro rwechikafu panotanga gore rinouya.
VaJosephat Amuli ndivo Chief Executive Officer veChurches In Bulawayo, sangano rinopa chikafu vanhu vari munharaunda yeBulawayo nedzimwe nzvimbo dziri kuMatabeleland.
Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaAmuli kuti tinzwe mamiriro akaita chikafu munzvimbo dzavanoshandira.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...