Accessibility links

Breaking News

Hurukuro dzeMDC neZanu-PF Dzonetsa Kupedza


Nhaurirano dzekugovana mapazi ehurumende pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weMDC, uye vari varkamirira kuitwa mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, dzakapinda muzuva rechina neChishanu kuRainbow Towers muHarare asi pasina tarisiro yekuti pane chingabuda.

Vasati vatanga musangano wavo, vatungamiri vaviri ava vati vane tarisiro yekuti gakava riripo richagadziriswa neChishanu. Asi mukupera kwezuva VaTsvangirai naVaMugabe vange vasati vawirirana.

Vaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, ndivo vari kuedza kuyananisa gakava iri. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMugabe naVaTsvangirai havasi kuwirirana pamapazi ehurumende anosvika gumi, kunyange hazvo Zanu PF iri kuti ibazi rimwe chete rakonzeresa mutauro.

Pane mashoko anotiwo nyaya yehurukuro pakati peMDC neZanu-PF yave kunyanyonetsawo nenyaya yekuti vamwe vakuru vemauto uye, vakuru muZanu-PF, avo vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga munguva yesarudzo, havasi kufara nenyaya yekuti MDC iri kuda kuti vose vakapara mhosva idzi, vamiswe pamberi pematare.

MDC yakatura mudare reparamende neChipiri kuti nyaya dzose dzemhirizhonga dzinofanirwa kuti dziferefetwe, uye vakapara mhosva, vatongwe.

Asi Zanu-PF yakabva yakumbira musangano wechimbichimbi nemutauriri wedare reparamende, VaLovemore Moyo, uye varizve sachigaro weMDC ,vachiti maitiro akadai anomutsa zvirere.

Chief whip weZanu-PF, VaJoram Gumbo, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvoitwa neMDC zvinogona kudzorera hurukuro mumashure.

Asi chief whip veMDC muparamende, VaInnocent Gonese, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti mushonga wengozi kuripa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG