Accessibility links

Breaking News

Vana veChikoro Votiza Nzara Vachinopemha kuSouth Africa


Nzara iyo yaruma munyika, inonzi yava kuita kuti vana vechikoro vakawanda vasiye chikoro vachipinda muSouth Africa zvisiri pamutemo, kuno pemha. Vazhinji vevana ava vari kuzoguma vombeya mumigwagwa yemuSouth Africa, vashaya kwekuenda kana anovapa rubatsiro.

Asi vamwe ndivo vanonzi vari kuzoguma vava kuchengetwa pachechi yeCentral Methodist iyo iri muJohannesburg. Chechi iyi inoti pari zvino ine vana vanodarika zana nemakumi mashanu, avo vave kupinda chikoro paCentral Methodist church.

Mukuru wechechi yeCentral Methodist, Bishop Paul Veryn, vanoti kubva kutanga kwemwedzi uno, chechi yavo yatambira vana makumi matatu vakatiza nzara muZimbabwe.

Mukuru wechikoro cheCentral Methodist, VaAlpha Zhou, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vamwe vana ava vari kusangana nedambudziko rekudzoserwa kuZimbabwe kana vabatwa nemapurisa emuSouth Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG