Accessibility links

Breaking News

Mari Yoramba Ichinetsa Kuwana muNyika

Kuwana mari kuchiri kunetsa munyika, kunyange hazvo bhanga guru re Reserve Bank rakaburitsa mari itsva ye $50 000.

Vagari vemuHarare vanoti mumabhanga muchiri kuita mitsetse mirefu yevanhu vanenge vachida kutora mari dzavo, zvikuru kuma building society.

Vanoziva zviri kuitika vanoti mitsetse iri kureba mumabhanga nepamusana pekuti ma ATM haasi kunyatsoshanda zvakanaka.

Dambudziko remari riri kuwirawo vagari vemu Bulawayo.

KwaMutare zvinonzi kushaikwa kwemagetsa neChitatu, kwakonzera kuti mabhanga akawanda atadze kupa vanhu mari dzavo.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nemugari wemuHarare, VaDiamond Karanda, kuti tinzwe zvakawanda pamusoro penyaya yekunetsa kwemari.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG