Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC kuMutasa South Inopisirwa Musha

Bato reM-D-C kuManicaland rinoti musha wenhengo yaro, uye vari mubati wehomwe wedunhu iri, Amai Laina Mutape, wakapiswa kuMutasa South mukupera kwesvondo. Musha uyu unonzi wakapiswa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF. Zvinonzi izvi zvakaitika mushure memusangano wakaitwa nebato iri kuMutasa South kwakare nemusi weChishanu, uyo unonzi wakapindwa nevanhu vanodarika zviuru zviviri.

Amai Mutape vanonzi vakapedza mwedzi mina vari kuMozambique uko vakanga vapotera munguva yemhirizhonga, asi vakazodzoka mukupera kwemwedzi waGunyana, vafunga kuti mhirizhonga yakanga yapera zvichitevera kunyoreranwa kwechibvumirano chemushandira pamwe nemapato ezvematongerwo enyika.

Zvinonzi vadzoka kudaro, vakashevedzwa nasabhuku Razemba kuti avaripise nekuti vaive nhengo yeM-D-C. Asi zvinonzi vakaramba kuenda kwasabhuku. Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF kuManicaland.

Vanoona nezvekubatsirwa kwevanhu muM-D-C kuManicaland, VaLloyd Mahute, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti bato ravo ranga risinga arisiri kuti nhengo dzaro dzingadai dzichiri kupisirwa misha.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG