Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vanotanga Zvakare Kuyananisa VaTsvangirai naVaMugabe


Vaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vatanga neChipiri kuita misangano nevatungamiri veMDC, VaMorgan Tsvangirai naVaArthur Mutambara, uye nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vakuru ava vasangana kuRainbow Towers muHarare. VaMbeki vakapinda munyika neMuvhuro manheru, vakatanga kusangana nevari kutungamira mapato aya munhaurirano, neChipiri mangwanani. Mushure mezvo, VaMbeki vasangana naVaTsvangirai vega, vakasanganawo naVaMutambara, uye VaMugabe vachitaura navo mumwe nemumwe.

VaMbeki vari kuedza kugadzirisa gakava riripo panyaya yekugovanwa kwemapazi ehurumende uye nyaya yemagavhuna.

Zanu-PF inoti nyaya yemagavhuna inofanira kusakurukurwa nezvayo nekuti haisi muchibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa chakanyoreranwa nevatungamiri ava musi wa 15 Gunyana.

Asi MDC inoti kugovana masimba muhurumende yemubatanidzwa kunoreva kugovanawo magavhuna zvakafanira.

VaMutambara vaudza vatori venhau kuti zvinhu zvinoodza moyo kuti papera mwedzi vanyorerana chibvumirano, asi pasina chabuda.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Thomas Chiripasi, audza mutori wenhau Blessing Zulu kuti zvichanetsa kuti VaMbeki vagadzirise nyaya iyi nekuti Zanu-PF iri kuita zvenhafu.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaGlen Mpani, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMugabe vari kuvhiringidzwa nemapishapisha ari mubato ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG