Accessibility links

Breaking News

Sangano reC-Safe Rinoti Huwandu hweVanhu Vanoda Chikafu Huchakwira


Sangano reConsortium for the Southern Africa Food Security Emergency kana-kuti C-SAFE, rinoti vanhu vari kuda chikafu munyika vari kuramba vachiwanda mazuva ese.

Mumwe mukuru mu C-SAFE muZimbabwe, VaEdson Nyamadzi, vanoti sangano ravo richabatsirwa ne World Food Program mukuwanira vanhu vanosvika miriyoni nemazana mashanu chikafu parizvino, asi huwandu hwevanhu ava huchakwira sezvo vanhu vakawanda vasina kudya kwakakwana.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti vanhu vanoda rubatsiro rwechikafu, vachadarika huwandu uhu, sezvo vamwe vanhu vari kugara mumadhora, vachange vachidawo rubatsiro rwechikafu.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNyamadzi kuti tinzwe mafambiro ari kuita basa ravo rekupa vanhu chikafu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG