Accessibility links

Breaking News

Kusiya Basa kwaVaMbeki Kotyirwa Kanganisa Nhaurirano


Svondo rino bato riri kutonga muSouth Africa reA-N-C rakaita zvanga zvisingafungidzirwi neveruzhinji, zvekubvisa vaive mutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mbeki, pachigaro, richivapomera mhosva dzakasiyana siyana, idzo dzinosanganisira kupindira pakutongwa kwenyaya yehuwori yanga ichipomerwa mutungamiri webato reA-N-C, VaJacob Zuma.

VaMbeki vaipomerwawo mhosva yekusaita hany'a nezvizvarwa zveSouth Africa munyaya dzekusimudzira magariro avo, nedzimwe dzakadaro.

Vamwe muZimbabwe vanoti havaneyi nezvakaitika muSouth Africa, asi vamwe vachitiwo, zviri kuitika muSouth Africa zvine zvikuru zvazvinoreva sezvo VaMbeki vari ivo muyananisi panhaurirano dzemuZimbabwe.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro nevanoongorora vezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, pamwe naVaFarai Mamina, avo vanova nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko, pamusoro pezviri kutarisirwa nevanhu panyaya iyi.

VaMaguwu vanoti vanowirirana nepfungwa yekuti kusiya basa kwaVaMbeki kuchakanganisa nhaurirano sezvo VaMbeki vakaratidza kuti havakwanise basa nechakare. Asi VaMamina vanoti SADC yakaratidza chivimbo naVaMbeki zvakaita kuti ivape makomborero ekuenderera mberi nekutungamira nhaurirano dzemuZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG