Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muAmerica, Muzvare Jendayi Frazer, vayambira kuti nyika yavo ichatowedzera zvirango kuhurumende yaVaMugabe kana ikasatevedza zvinodiwa nechibvumirano chekugovana masimba.
Muzvare Frazer vanoti panofanira kunyatsoratidza kuti pagovanwa zvigaro zvedare remakurukota zvakafanira, uye kugovana kwechokwadi masimba ekutonga nyika pakati paVaMugabe naVaTsvangirai.
Muzvare Frazer vanotiwo kana paita kuwirirana kwechokwadi muZimbabwe, America ichatumira nyanzvi kuti dzibatsire kugadzirisa hupfumi nyaya dzehupfumi.
Mashoko aya anoteverawo matambudziko akatarisana nechibvumirano ichi panyaya yedare remakurukota pamwe nekugovanwa kwemagavhuna, uye kumanikidzwa kusiya basa kwakaitwa mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.
SADCc neAfrican Union dzinoti dziri kuda kuti VaMbeki varambe vari mutongi gava panyaya yezimbabwe.
Mutauriri waVaMbeki, VaMukoni Ratshitanga, vanotiwo VaMbeki vakazvipira kuenderera mberi nebasa rekuva mutongi gava.
Vachitaura vari muNew York neChipiri kumusangano weUnited Nations General Assembly, mutungamiri weTanzania, uye vari sachigaro veAfrican Union, VaJakaya Kikwete, vakati nhaurirano dzekugadzirisa gakava remuZimbabwe dzichaenderera mberi, kunyange hazvo VaMbeki vasiya basa.
Mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations, Ambassador Boniface Chidyausiku, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mashoko eAmerica anodzorera nyika kumashure.
Mutori wenhau Blessing Zulu abatawo VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paUniversity of Minnesota, muAmerica. VaRuhanya vanoti VaMugabe vanofanira kutemerwa zvirango vakasatevedza zvinodiwa nechibvumirano ichi.