Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neHIV/AIDS Vosarudza Zvokudya Pane Mishonga


Vanorarama nehutachiwana hweHIV/AIDS vanoti vari kushushikana nekuti hapana hurongwa hutsva huripo, hwekuvabatsira.

Muchibvumirano chakaitwa pakati peZANU-PF nemapato maviri EMDC, mutungamiri werimwe bato re MDC, VaMorgan Tsvangirai, vakati zvakakosha kuti hurumende igadzirise nyaya dzezvehutano nechimbichimbi.

Vanoongorora nyaya dzezvehutano vanoti vanhu vazhinji vari kufa nedenda iri, sezvo vari kushaiwa mishonga, zvekudya, nevanorapa, avo vave kungogara vakakanda mapadza pasi vachiti vanoda kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe.

Sangano reZimbabwe National Network of People Living with AIDS, rinoti nhengo dzaro dzinodarika zana nemakumi maviri ezviuru dziri kuyaura nenzara uye vari kuedza kuzeya nevebhanga guru kuti vakwanise kutengeserwawo zvekudya pasi pechirongwa cheBACOSI, sezvo RBZ ichikoshesa kudya kudarika mishonga.

Mutori wenhau dzeStudio7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Benjamin Mazhindu, sachigaro veZNPP+ avo vanoti vari kuedza kuita hurukuro nehurumende kuti vajekese kuti hazvina zvazvinobatsira kupa vanhu mishonga, iwo matumbu asina chinhu izvo zvisingabatsiri vanorarama neHIV/AIDS.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG