Masangano anosvika makumi maviri nemaviri ari musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, aita musangano muHarare neChishanu wekuzeya zvakabuda pachibvumirano chakaitwa pakati peZanu-PF nemapato maviri eMDC.
Masangano aya abvumirana kuti anofanirwa kuramba achiongorora zviri kuitika munyaya dzezvematongerwio enyika, kusanganisirira nyaya yebumbiro remitemo yenyika nezvimwe zvingangonetsa zvisinei kuti pava nechibvumirano ichi.
Carole Gombakomba weStudio 7 aita hurukuro naVaMacdonald Lewanika, mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, kuti tinzwe zvizere pachinangwa chavo chekuita musangano wakadai.
Ukuwo sangano reN-C-A raitawo musangano muHarare wekuzeya chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa. Sangano iri rati mushure mekuongorora zviri chibvumirano ichi, raona chibvumirano ichi chakarerekera divi rimwe chete, sezvo VaMugabe vari ivo vane masimba akawandisa.
N-C-A yati iri kurambawo zvimwe zviri muchibvumirano ichi zvakaita senyaya yekuumbwa kwebumbiro remitemo yenyika, sezvo pari kuda kushandiswa chibvumirano chakaitwa kuKariba nevemapato ezvematongerwo enyika muna Gunyana wegore rapera pasina kutorwawo pfungwa dzemasangano akazvimirira, kana vanhuwo zvavo.
Mutauriri weN-C-A, VaMaddock Chivasa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti sangano ravo richarwisa nyaya yebumbiro remitemo yenyika zvisinei nekuti pava nehurumende yemubatanidzwa.