Hurukuro pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaArthur Mutambara, dzakaita mangange neChina panyaya yekugovana mapazi ehurumende.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti nyaya yakanetsa inyaya yekuti VaMugabe vainge voita nhafu panyaya yekogovanwa kwemapazi ehurumende.
VaMugabe vanoda makurukota ebato ravo kuti atungamirire mapazi ezvekudzivirirwa kwenyika, mapurisa, hupfumi, kurima, zvemitemo nekuburitswa kwemashoko, MDC ichisiirwa mapazi asina chiremera.
MDC iri kudawo mapazi aya, kunze kwerekudzivirirwa kwenyika.
Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti kunetsana kwakadai hachisi chinhu chinoshamisa, sezvo zviri kuitika muZimbabwe, zvakamboitikawo kuKenya, uko kwakamboitawo mutauro panyaya yekugovanwa kwemapazi ehurumende.
VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vachishanda vari muHarare. VaGlen Mpani, ndivo Regional Coordinator paCentre for the Study of Violence and Reconciliation muCape Town South Africa.
Vaviri ava vanoti vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe neZanu-PF vanofanira kuziva kuti zvinhu zvachinja uye vanofanira kugovana masimba naVaTsvangirai zvakafanira.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...