Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votora Chigaro chaPrime Minister muHurumende Itsva


Chibvumirano pakati peMDC neZanu-PF chakawiriranwa neChina chichapa masimba kumutungamiri wehurumende nemutungamiri wenyika sezvange zvichidiwa neMDC.

Mutongi gava panya iyi, VaThabo Mbeki, vakati veZanu-PF nevemapato maviri eMDC vainge vabvumirana kuti vaumbe hurumende yemubatanidzwa asi zvakawanda zvichabuda neMuvhuro pazvichaziviswa veruzhinji.

Asi vane ruzivo nezviri muchibvumirano ichi vanoti VaTsvangirai vanenge vava mutungamiri wehurumende, uye vari sachigaro wedare repamusoro soro remakurukota, kana kuti Council of Ministers.

VaTsvangirai vachange vachiona nezvekufambiswa kwemabasa ehurumende, uye Council of Ministers ndiyo ichange ichiona mashandiro edare remakurukota, kana kuti Cabinet.

MDC yaVaTsvangirai inoti kanzuru iyi inenge iine makurukota ehurumende ose kunze kwaVaMugabe nevatevedzeri vavo.

Pasi pechibvumirano ichi, Zanu-PF inenge inonzi iine makurukota gumi nemashanu, nevatevedzeri vasere, MDC yaVaTsvangirai inenge iine makurukota gumi nematatu nevatevedzeri vatanhatu, ukuwo VaMutambara venenge vave mutevedzeri waVaTsvangirai, vanenge vave nemakurukota matatu, nemutevedzeri mumwe chete.

Mashoko atiri kutambira anotiwo hurumende itsva isati yagadzwa, paramende inofanirwa kuvandudza mitemo yebumbiro remitemo yenyika, kuitira kuti mutungamiri wehurumende, pamwe nevatevedzeri vavo vaviri, vadomwe neparamende zviri pamutemo.

Izvi zviri kutarisirwa kuitwa nechimbi chimbi. Mushure mezvo, hurumende ichafanotonga inotarisirwa kugadzirisa bumbiro remitemo yenyika mukati memwedzi gumi nesere.

Kana izvi zvaitwa, panofanirwa kuva nehurongwa hwekuita sarudzo dzekutsvaga hurumende itsva, inosarudzwa nevanhu murunyararo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaTsvangirai vachange vaine masimba akafanira avanga vachitarisirawo.

Chief Whip veZanu-PF, VaJoramu Gumbo, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti bato ravo rinovimba kuti chibvumirano chichabatsira vanhu.

VaEdwin Mushoriwa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara. VaMushoriwa vaudza zvakare Blessing Zulu weStudio7 kuti vane chivimbo chekuti muchato uyu uchafamba zvakanaka.

Apo vezvematongwero enyika vaiwirirana kuti vashande pamwe chete, vakuru vemasangano akazvimirira vainge vaine musangano wavowo wekuzeya zviri kubuda munhaurirano idzi.

Mutori wenhau dzeStudio7, Slyvia Manika, anoti vakuru vemasangano akazvimirira oga havana kufara nechibvumirano ichi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG