Accessibility links

Breaking News

Dhora reku America Roshandiswa Munyika Zviri  Pamutemo

Gavhuna vebhanga guru renyika, VaGideon Gono, vanoti hurumende yava kubvumidza zvitoro kuti zvitengese zvinhu zvinoshandiswa mudzimba nemari yekunze.

VaGono vanoti hurongwa uhu huchange huripo kwemwedzi gumi nemisere. Vatiwo zvinhu zvakaita sepeturu, zvichange zvichitengwawo nemari yekunze.

Hurumende inoti iri kutora danho iri sezvo zvinhu zvakawanda zviri kutengwa kunze kwenyika.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari muzvinabhizenesi, VaLuxon Zembe, vanoti mabhizinesi ari kuda kutengesa nemari yekunze, vanonzi nehurumende vanofanirwa kukumbira mvumo ku RBZ vasati vatanga kuita izvi.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaZembe ndokuvabvunza kuti vanotambira seyi hurongwa hwaVaGono.

Ukuwo sangano rinomirira vashandi reZCTU, rinoti kana hurumende yaronga kuti zvitoro zvitengese zvinhu nemari yekunze, vashandi vanofanirwa kubhadharwawo nemari yeku America, kuitira kuti zvinhu zvirerukire mushandi.

VaJaphet Moyo ndivo mutevedzeri wemunyori mukuru weZCTU.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMoyo kuti tinzwe pamire sangano ravo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG