Accessibility links

Breaking News

Vasungwa Vofa neNzara Mumajeri eMunyika


Majere anonzi ari kurasikirwa nevasungwa vari kufa nepamusana penzara zuva nezuva. Majeri mazhinji munyika anonzi ava kungopa vasungwa chikafu kamwe chete pazuva nenguva dzemasikati. Chikafu ichi chinonzi isadza nemuriwo usina mafuta, uyo unenge wangofashaidzwa, dzimwe nguva usinawo munyu.

Vasungwa vazhinji vari kufa vanonzi ndevaya vanenge vaine zvirwere zvakaita seH-I-V/AIDS, TB, Cholera nezvimwewo. Vanhu ava vanonzi havasi kuwanawo mishonga mumajeri mavari. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti dzimwe nguva panogona kufa vanhu vatatu kana kudarika pajeri rimwe chete pazuva.

Mamwe matambudziko ari kusanganikwa nawo ndeekushaya zvekupfeka, izvo zvinonzi zviri kuita kuti vasungwa vagare vasina zvipfeko. Majeri emuZimbabwe anokwanisa kuchengeta vasungwa zviuru gumi nezvitanhatu chete, asi pari zvino anonzi ane vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nezvishanu, izvo zviri kupa kuti vanhu vagare vakamanikidzana.

Tatadza kubata mukuru wemajeri, VaParadzai Zimondi, kuti tinzwe divi reZimbabwe Prisons Services panyaya iyi.

National coordinator veZimbabwe Association for Crime Prevention and Rehabilitation of the Offender, ZACRO, sangano rinobatsira vasungwa vari munyika, VaEdson Chihota, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti dai hurumende yakasika kubvumidza masangano anobatsira nechikafu kushanda zvakare, kuitira kurerutsa dambudziko iri.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG