Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vodzokazve Munyika Kuzomutsiridza Nhaurirano


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakasvika muHarare neMuvhuro kuzomutsiridza nhaurirano pakati peZanu PF neMDC.

VaMbeki vakasvika muHarare vaine chikwata chavo chiri kufambisa nhaurirano idzi. Paita mangange munhaurano idzi pakati pemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamusoro penyaya yekugovana masimba.

VaTsvangirai vanoti havasi kuzotambira “tumasimba” twavari kunzi vapihwe, ukuwo VaMugabe vari kuti masimba ari kupihwa VaTsvangirai muhurumende yemubatanidzwa, akakwandisa zvikuru.

Izvi zvinonzi zviri kutsigirwawo nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, kunyange hazvo vari kuti havasi kuzopinda muhurumende kana VaTsvangirai vasiri nhengo yehurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vaidza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti VaMbeki vanotoda njere dzaMambo Soromoni kuti vaite kuti VaMugabe naVaTsvangirai vaimbe rwiyo rwumwe chete.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG