Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobuditsa VaMbeki Dikita


Mutungamiri weSouth Africa, uye vari muyananisi mugakava riripo pakati peZanu PF neMDC, VaThabo Mbeki, vari kutarisirwa kupinda muZimbabwe neMuvhuro.

VaMbeki vanonzi vari kuda kuti VaMugabe naVaTsvangirai vawirirane panyaya yekugovana masimba.

Mashoko erwendo rwaVaMbeki atsinhirwa nemutevedzeri wegurukota rinoona nezvekubuditswa kwemashoko, VaBright Matonga.

Asi mutauriri waVaMbeki, VaMukoni Ratshitanga, vati havana ruzivo nerwendo rwaVaMbeki urwu.

VaMugabe vakanga vayambira neChina kuti zuva rikavira VaTsvangirai vasina kusaina gwaro rekugoverana masimba, vaizoenderera mberi nekudoma dare ravo remakurukota.

VaMugabe vaifungidzira kuti VaMbeki vaizvouya munyika neChina sezvakanga zvakarongwa.

Asi vanoziva nezviri kuitika vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vava kuti vachamirira musangano waVaMbeki neMuvhuro, vachiti VaTsvangirai vakarega kusaina gwaro iri, vari kuenderera mberi nekudoma hurumende yavo.

Ukuwo, mutevedzeri wemunyori anoona nezvekunze kweAmerica munyaya dzeAfrica, Muzvare Jendayi Frazer, vaudza vatori venhau kuSwaziland uko vari kushanya, kuti VaMugabe havafanirwi kuenderera mberi nedanho ravo iri. Vatiwo panofanirwa kuva nekubvumirana pakugovana masimba.

Vachitaurawo vari muWashington neChipiri, mutauriri weDepartment of State, VaRobert Wood, vakatiwo America inoti zvinoitwa muZimbabwe zvinofanirwa kuremekedza zvakabuda musarudzo yemuna Kurume.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe.

Ntungamili Nkomo weStudio7 abata VaMakumbe ndokuvabvunza kuti VaMbeki vane zvitsva here zvavangauya nazvo kumusangano weMuvhuro uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG