Accessibility links

Breaking News

Chirwere che Cholera Chopararira muChitungwiza


Chirwere che cholera chinonzi chatekeshera mumusha weChitungwiza, umo munonzi vanhu vanodarika makumi maviri vafa pari zvino nechirwere ichi.

Chirwere ichi, icho chinonzi chakanyanya kubata misha yeUnit “O” neUnit “K”, chinofungidzirwa kuti chiri kukonzerwa nemvura yekunwa isina kuchena, iyo iri kunwiwa munzvimbo idzi, pamwe netsvina yemuzvimbudzi, iyo inonzi iri kungoyerera pamadiro.

Kanzuru yeChitungwiza inonzi yaitawo hurongwa hwekutumira matangi emvura yakachena mumisha iyi, senzira yekuedzawo kuderedza kupararira kwechirwere ichi. Cholera ino wanzobata vanhu munguva yekunaya, asi mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekuchengetedzwa kwemarara netsvina muChitungwiza, ndiwo anonzi aita kuti ipararire.

Studio 7 yatadza kunzwa divi rehurumende sezvo tatadza kubata gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa. Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hurumende iri kutadza kuwanira vanhu mvura yakachena, izvo zviri kupa kuti vabatwe nezvirwere.

Mumiriri weChitungwiza South muparamende, VaMisheck Shoko, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kukurudzira vagari vemunzvimbo idzi kuti vasabatane maoko pamwe nekutenga chikafu pamisika isina kuchengetedzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG