Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voramba Vakatsika Madziro


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzotambira zvekusundwa kuti vasaine chibvumirano chinopa mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, kuti vave nemasimba ekutonga nyika anodarika avo.

Mashoko aVaTsvangirai anotevera danho ratorwa naVaMugabe, avo vati kana VaTsvangirai vasina kusaina neChina chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa, vari kuenderera mberi nekudoma dare remakurukota.

Vakuru muhurumende vanoti VaMugabe vange vachifungidzira kuti nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF, dzingangotangazve neChina muHarare, umo mange muchitarisirwa kuti mutongi gava, VaThabo Mbeki, vanova mutungamiri weSouth Africa, vange vachiyananisa.

Asi VaTsvangirai vakanyora tsamba neChipiri kuna VaMbeki vachiti vanenge vasiri munyika neChina.

Asi vamwe muMDC vanoti bato iri harisi kufara kuti VaMbeki havana chitsva chavange vachiuya nacho, uye maitiro ekuti Zanu-PF ekuti hapana nhaurirano kunze kwekuti VaTsvangirai vaise runyoro rwavo pane zviri kudiwa naVaMugabe.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Sikhanyiso Ndlovu, varamba kutaura neStudio7 kuti dare iri richadomwa riini.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vayambira muhurukuro yavaita nemutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti VaMugabe vakaita izvi, nhaurirano idzi dzinobva dzafa zvachose.

Ukuwo mutauriri wechikwata cheMDC chinotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vaudzawo Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe vakaita izvi, vanenge vakanganisa zvikuru.

Dzimwe nhau kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG