Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Votaura Pamusoro peVanhu Vari Kufa neNzara

Vana chiremba vanoti vanhu vane chitsama vari kufa munyika nepamusana penzara. Vamwe vataura neStudio 7 vanoti vamwe vanhu vari kupedza mazuva matatu kana kudarika vasina chavadya, izvo zviri kukonzera kuti miviri yavo, ishaiwe masoja anodzivirira zvirwere.

Vanhu vari kushaiwa zvekudya muzvitoro, uye vazhinji havana mari yekutenga zvekudya. Zvose izvi zviri kuwedzerwawo zvakare nekurambidzwa kwakaitwa masangano akazvimirira oga kupa vanhu rubatsiro rwezvekudya.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naDr Douglas Gwatidzo, sachigaro ve Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, avo vanoti kunyange hazvo pasina humbowo huri kubuditswa nehurumende, chokwadi chiripo ndechekuti vanhu vazhinji vari kuyaura nekuda kwekushaiwa zvekudya mumaruva pamwe nemumaguta.

Carole Gombakomba weStudio7 aitawo zvakare hurukuro nemunyori anoona nezvehutano muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Dr Henry Madzorere, avo vanotiwo zvinorwadza kuti matukutuku echikafu akachengetedzwa nemasangano akazvimirira oga, asi uku vanhu vachisvika pakutambura kudai nenzara.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG