Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvikoro Zvobhadharwa neMari yeKunze kweNyika


Vadzidzi vakawanda vakundikana kuenda kuchikoro neChipiri sezvo vabereki vavo vasina mari iri kudiwa nezvikoro izvi. Vazhinji vevadzidzi ava ndevaya vanodzidza muzvikoro zve boarding.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, vamwe vabereki vanoti vari kutadza kuunganidza mari idzi sezvo vemabhanga vari kuvapa mari inoita mazana mashanu emadhora pazuva.

Zvimwe zvikoro zvinonzi zviri kuda kuti zvibhadharwe nemari yekunze, sezvo yemunyika iri kuramba ichipera simba.

Zvimwe zvikoro zvinonzi zviri kuti kana mubereki asina mari yekunze, anogona kubhadhara makuponi anotenga madhiramu matatu epeturu, kana kuti 600 litres, zvimwe zvichiti zvinoda madhiramu mashanu epeturu, kana kuti chiuru chimwe chete chemadhora eku America.

Bepanhau re Chronicle rinotiwo rakaongorora zvikoro zvakawanda, izvo zvarinoti zviri kuda kubhadharwa nemari yekunze, kana kubhadharwa nepeturu.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naAmai Ashley Muza, avo vane vana vaviri vari kudzidza kumhondoro nekwaGutu, kuti tinzwe dambudziko ravakatarisana naro semubereki.

Asi hurumende inoti zvikoro zviri kumanikidza vanhu kuti vabvise mari yekunze zviri kutyora mitemo yenyika.

Sachigaro we National Income and Prices Commission, VaGoodwills Masimirembwa, vanoti sangano ravo riri kuferefeta nyaya iyi.

Patience Rusere weStudio Seven aitawo hurukuro naVaMasimirembwa kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG