Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovhiringidza Kugadzwa kweMakanzura kwaRusape


Zvinonzi kugadzwa zviri pamutemo kwemakanzura ekuMakoni Rural kwaRusape kwatadza kubudirira mushure mekunge mapurisa anodzivirira bongozozo pamwe nevechidiki veZanu PF vakanganisa chiitiko ichi.

Zvinonzi izvi zvakonzerwa nehurongwa hwebazi rezvematunhu, hwekuda kugadzawo vanhu vasere vanga vachinzi vari kumirira zvido zvemasangano akasiyana siyana, uye vaine masimba ekuvhota mukanzuru umu. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZanu PF nezvechiitiko ichi.

Zanu PF ine makanzura gumi nematanhatu, ukuwo MDC iine makumi maviri nevatatu. Izvi zvinonzi zvaizopa Zanu PF mukana wekutungamira mukanzuru iyi nemunhu mumwe chete. Zanu PF inonzi iri kushandisa bazi rezvekutongwa kwematunhu kupinza nhengo dzayo mumakanzuru, vachinzi vari kumirira zvido zveveruzhinji vasiri munyaya dzematongerwo enyika.

Mutevedzeri wameya weguta reHarare, VaEmmanuel Chiroto, vaudza Studio 7 kuti mukanzuru mavo vane vanhu vana vakaiswa kuti vamirire masangano avo, vakati asi havana kujekeserwa kuti masangano acho ndeapi. VaChiroto vati vanhu ava havana masimba ekuvhota mukanzuru yeHarare.

Meya weguta reBulawayo, VaPatrick Moyo, vaudzawo Studio 7 kuti kanzuru yavo haina vanhu vari kunzi vamirire masangano akasiyana siyana ava. Vatiwo mutemo weUrban Councils Act, haupi vanhu ava masimba ekuvhota.

Mutauriri weMDC kuManicaland, uye vachimirira Makoni South muparamende, VaPishai Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti Zanu PF iri kuda kushandisa mukana uyu kuwana huwandu pakusarudzwa kwasachigaro wekanzuru.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG