Zvinonzi kugadzwa zviri pamutemo kwemakanzura ekuMakoni Rural kwaRusape kwatadza kubudirira mushure mekunge mapurisa anodzivirira bongozozo pamwe nevechidiki veZanu PF vakanganisa chiitiko ichi.
Zvinonzi izvi
zvakonzerwa nehurongwa hwebazi rezvematunhu, hwekuda kugadzawo vanhu vasere
vanga vachinzi vari kumirira zvido zvemasangano akasiyana siyana, uye vaine
masimba ekuvhota mukanzuru umu. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZanu PF
nezvechiitiko ichi.
Zanu
PF ine makanzura gumi nematanhatu, ukuwo MDC iine makumi maviri nevatatu. Izvi
zvinonzi zvaizopa Zanu PF mukana wekutungamira mukanzuru iyi nemunhu mumwe
chete. Zanu PF inonzi iri kushandisa bazi rezvekutongwa kwematunhu kupinza
nhengo dzayo mumakanzuru, vachinzi vari kumirira zvido zveveruzhinji vasiri
munyaya dzematongerwo enyika.
Mutevedzeri wameya weguta reHarare, VaEmmanuel Chiroto,
vaudza Studio 7 kuti mukanzuru mavo vane vanhu vana vakaiswa kuti vamirire
masangano avo, vakati asi havana kujekeserwa kuti masangano acho ndeapi. VaChiroto
vati vanhu ava havana masimba ekuvhota mukanzuru yeHarare.
Meya
weguta reBulawayo, VaPatrick Moyo, vaudzawo Studio 7 kuti kanzuru yavo haina
vanhu vari kunzi vamirire masangano akasiyana siyana ava. Vatiwo mutemo weUrban
Councils Act, haupi vanhu ava masimba ekuvhota.
Mutauriri weMDC kuManicaland, uye vachimirira Makoni South muparamende, VaPishai Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti Zanu PF iri kuda kushandisa mukana uyu kuwana huwandu pakusarudzwa kwasachigaro wekanzuru.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...