Accessibility links

Breaking News

AU: Nhaurirano Ngadzipetwe, Masimba Ogovanwa Nemazvo

Sangano reAfrican Union rinoti rinoda kuti hurukuro pakati peZanu-PF neMDC dzipere nechimbichimbi, uye kuti masimba anyatsogovanwe nepakati, kuitira kuti pasave nekutaura pakati pemutungamiri weZanu Pf, VaRobert Mugabe, nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

Izvi zvaburitswa negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muTanzania, VaBernard Membe, apo vaudza vatori venhau kuti nhaurirano dzinofanirwa kuitwa nechimbichimbi, sezvo hupfumi hweZimbabwe huri kuramba huchienda kumawere. VaMembe vataura vakamirira mutungamiri wenyika yavo, VaJakaya Kikwete, avo vanova sachigaro weAfrican Union pari zvino.

Asi gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vanovazve nhumwa huru yaVaMugabe munhaurirano idzi, vanoti hapana mamwe masimba achapihwa VaTsvangirai, sezvo chasara chete kuti vaise runyoro rwavo pachibvumirano chiripo kare.

Nhaurirano dzemuZimbabwe dziri kutadza kupetwa nenyaya yekusawirirana pakati paVaMugabe naVaTsvangirai. VaMugabe vari kuda kuramba vari mutungamiri wenyika ane masimba ekugadza pamwe nekudzinga makurukota, vachiti VaTsvangirai vanofanirwa kuva Prime Minister anenge achiudzwa zvekuita naVaMugabe. Asi VaTsvangirai vari kuti havasaine chibvumirano ichi kana basa ravari kunzi vaite risina masimba. VaTsvangirai vanoti vanofanirwa kuva ivo vanenge vari mutungamiri wehurumende, vaine masimba ekuumba dare remakurukota, pamwe nekudzinga vanenge vatadza basa.

Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, ndivo mutongi gava panyaya iyi.

Zanu-PF inotiwo yaendesa kuna VaMbeki video yekusveeredzwa kwakaitwa VaMugabe pakuvhurwa kweparamende nenhengo dzedare reparamende dzeMDC.

Zanu-PF inoti ichaendesawo video iyi kuSADC ichiti izvi zvinoratidza kuti MDC iri kuda kubvisa hurumende pachigaro nechisimba.

VaCharles Mangongera vanongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti AU iri kuratidza kuti kudya manonoko kwaVaMbeki mukugadzirisa gakava remuZimbabwe, kwave kuvanetsawo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG