Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Votarisirwa muZimbabwe Kuzomutsiridza Nhaurirano


Nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF dzave kutarisirwa kutangazve nemusi weChina, kunyange hazvo kusawirirana pakati pemapato aya kwatonyanya kuwedzera.

Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vari kutarisirwa kupinda muZimbabwe nemusi weChina kana zvinhu zvikafamba negwara rakarongwa nehofisi yavo.

Mutauriri waVaMbeki, VaMukone Ratshitanga, vatiwo hurukuro dziri kufambira mberi, asi havana kuda kutaura kuti dzichaitwa riini.

Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muhofisi yegurukota rezvekunze kweSouth Africa, VaRonnie Mamoepa, vatiwo havana ruzivo nezverwendo urwu.

Kunyange hazvo VaMbeki vari kuda kuenderera mberi nenhaurirano idzi, MDC inoti zviri nani kuti vakwidze nyaya iyi kuAfrican Union nekuUnited Nations.

Nyaya yatemesa musoro VaMbeki inyaya yekuti VaMugabe naVaTsvangirai vogovana masimba sei. Hapanawo kuwirirana kuti poitwa sei nenyaya yebumbiro remitemo.

VaBriggs Bomba ndivo Associate Director for Campaigns musangano reAfrica Action.

VaBomba vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti MDC inofanira kudzokera kuvanhu kuti iwane rutsigiro rwakasimba nekuti vekunze vari kukundikana kugadzirisa dambudziko ratarisana nenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG