Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yokonzerazve Mhirizhonga muHarare


Nhengo dzebato reMDC mumisha yeGlenView neMabvuku dzaipemberera kusarudzwa kwaVaLovemore Moyo semutauriri weparamende, kusanganisirawo nevanhuwo zvavo, vanonzi vakazorara vava nemavanga mushure mekunge varwiswa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu PF.

Zvinonzi mushure mekunzwa kuti nhengo yebato ravo yatora chigaro chemutauriri weparamende, vamwe vatsigiri vakamhanya mumigwagwa vakapfeka nhumbi dzebato ravo vachipembera. Vamwewo vanonzi vakapembera vari munzvimbo dzakaita semunonwirwa doro nemumisika, asi vakazobva munzvimbo idzi vachitiza apo vakanga votanga kurohwa.

Mumiriri weGlenview muparamende, VaPaul Madzore, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti chinangwa chevechidiki veZanu PF ava chaive chekunyaradza uye kutyisidzira vatsigiri vebato ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG