Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazivisa kuti vari mushishi yekuumba hurumende itsva, iyo inotarisirwa kunge isina nhengo dzemapato maviri eMDC. VaMugabe vakaratidza pachena kuti hurumende yavari kuzoumba ichange isina vebato rinopikisa, apo vakati MDC iri kuramba kupinda muhurumende iyi, sezvo iri kufurirwa neBritain.
Sechiratidzo chekuti VaMugabe havana hany’a nenhuarirano idzi, VaMugabe vakadoma
magavhuna, pamwe nemaseneta, izvo zvakanga zvawiriranwa kuti zvisaitwe
kudzamara nhaurirano dzapera.
Vachitaura
neChipiri pamabiko ekudya kwemasikati senzira yekuremekedza kuvhurwa
kweparamende yechinomwe, VaMugabe vakashorawo makurukota ehurumende yavanga
vanayo, vakati ndiyo hurumende yanga isingabatsiri zvachose munhoroondo
yehurumende yeZanu PF. VaMugabe vakati rwendo rwuno vachagadza makurukota
akazvipira kushandira vanhu, kwete kuzvishandira ivo pachavo.
Mapato ose eMDC anotiwo anga agara asingazopindi muhurumende ichaumbwa naVaMugabe iyi, sezvo VaMugabe vasiri kutevera zvisungo zvavakawirirana pavakatanga nhaurirano.
Mutauriri weMDC
inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vaudza Jonga
Kandemiiri weStudio7 kuti VaMugabe vaifanirwa kutanga vamirira kupera
kwenhaurirano vasati vaita chimwe chinhu.
Mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudzawo
Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvava kuitwa naVaMugabe zvekuumba hurumende itsva
zvakafanana nekunyudza chikepe chenyika.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti danho ratorwa naVaMugabe chiratidzo
chekuti havana hany’a nenhaurirano dziripo pakati pebato ravo neMDC. Nyanzvi
idzi dzinoti zviri kuitwa naVaMugabe hazvisi zvinhu zvinoshamisa, sezvo VaMugabe
vagara vari munhu anozvidza pfungwa dzevanhu vakawanda.
VaPhilip
Pasirayi vanoongororora zvematongerwo
enyika, uye vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition. VaPasirayi vaudzawo Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zviri kuitwa naVaMugabe
chiratidzo chekuti VaMugabe havana kupinda munhaurirano nemwoyo wese.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...