Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voronga Kuumba Hurumende Isina MDC Mukati


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazivisa kuti vari mushishi yekuumba hurumende itsva, iyo inotarisirwa kunge isina nhengo dzemapato maviri eMDC. VaMugabe vakaratidza pachena kuti hurumende yavari kuzoumba ichange isina vebato rinopikisa, apo vakati MDC iri kuramba kupinda muhurumende iyi, sezvo iri kufurirwa neBritain.

Sechiratidzo chekuti VaMugabe havana hany’a nenhuarirano idzi, VaMugabe vakadoma magavhuna, pamwe nemaseneta, izvo zvakanga zvawiriranwa kuti zvisaitwe kudzamara nhaurirano dzapera.

Vachitaura neChipiri pamabiko ekudya kwemasikati senzira yekuremekedza kuvhurwa kweparamende yechinomwe, VaMugabe vakashorawo makurukota ehurumende yavanga vanayo, vakati ndiyo hurumende yanga isingabatsiri zvachose munhoroondo yehurumende yeZanu PF. VaMugabe vakati rwendo rwuno vachagadza makurukota akazvipira kushandira vanhu, kwete kuzvishandira ivo pachavo.

Mapato ose eMDC anotiwo anga agara asingazopindi muhurumende ichaumbwa naVaMugabe iyi, sezvo VaMugabe vasiri kutevera zvisungo zvavakawirirana pavakatanga nhaurirano.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti VaMugabe vaifanirwa kutanga vamirira kupera kwenhaurirano vasati vaita chimwe chinhu.

Mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudzawo Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvava kuitwa naVaMugabe zvekuumba hurumende itsva zvakafanana nekunyudza chikepe chenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti danho ratorwa naVaMugabe chiratidzo chekuti havana hany’a nenhaurirano dziripo pakati pebato ravo neMDC. Nyanzvi idzi dzinoti zviri kuitwa naVaMugabe hazvisi zvinhu zvinoshamisa, sezvo VaMugabe vagara vari munhu anozvidza pfungwa dzevanhu vakawanda.

VaPhilip Pasirayi vanoongororora zvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition. VaPasirayi vaudzawo Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zviri kuitwa naVaMugabe chiratidzo chekuti VaMugabe havana kupinda munhaurirano nemwoyo wese.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG