Accessibility links

Breaking News

Ambassador McGee: Zimbabwe Yofa neNzara Chikafu Chakazara Munyika

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador James McGee, vanoti hurumende iri kuvarambidza kupa chikafu kuvanhu vari kuziya nenzara, icho chikafu chakatengwa nehurumende yeAmerica nemamwe masangano, chakazara mumatura ari munyika.

Ambassador McGee vatiwo kunyange hazvo muzinda wavo wakamboedza kunyorera tsamba vakuru vehurumende kuti vatenderwe kupa vanhu chikafu, hapana chakabuda.

Hurumende inoti haisi kuda kuti masangano ekunze ape vanhu chikafu nekuti mamwe acho ari kuita zvematongerwo enyika.

Vachitaura pakuvhurwa kwedare reparamende yechinomwe nezuro, VaMugabe vakatiwo nyika dzekunze dziri kuvakanganisa kutenga chibage nekudhurisa mitengo.

Asi VaMcGee vati aya manyepo. United Nations inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vanoda rubatsiro rwechikafu. Sangano iri rinotiwo VaMugabe vanofanira kubvumidza masangano anobatsira nechikafu kuti ape chikafu kuvanhu vakatarisana nenzara.

Asi hurumende iri kuramba yakatsika madziro, ichiti masangano akazvimirira, pamwe nenyika dzakaita seAmerica neBritain, dziri kuda kushandisa nyaya yechikafu mukubvisa hurumende yavo.

Hurumende yakamisa masangano aya kupa chikafu munguva yegadziriro yesarudzo ye run off, ichiti masangano aya aipa chikafu vanhu achivakurudzira kuti vavhotere MDC.

Asi masangano aya anoti haaite zvematongerwo enyika, nokuti nzara inobata munhu wese, angave weZanu-PF kana weMDC.

VaMcGee vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vachaedza nepavanogona kuti chikafu ichi chisabude munyika kuti chiende kune dzimwe nyika dziri kuziyawo nenzara.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG