Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vosveeredzwa Pakuvhurwa kweParamende


Nhengo dzeMDC dzazvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, apo vavhura dare reparamende neChipiri. Apo VaMugabe vanga vachitaura, nhengo dzeMDC dzanga dzichiimba dzichiti Zanu yaora. Nhengo dzeMDC dzapawo VaMugabe gwaro renyunyuto. MDC inoti VaMugabe havafanirwe kunge vavhura paramende, sezvo vasina kusarudzwa neveruzhinji.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, VaMugabe havana kana kupa makorokoto kumutauriri weparamende mutsva, VaLovemore Moyo, avo vakasarudzwa neMuvhuro.

MDC inotiwo hurongwa hwaVaMugabe hwekuita zano ndega nekuvhura paramende, uye kudoma maseneta nemagavhuna, hunoratidza kuti havachadi kuenderera mberi nenhaurirano pakati pebato iri neZanu-PF.

Mapato ose ari munhaurirano ainge atenderana kuti paramende imbomira kuvhurwa. Asi vatungamiri venyika dzemuSADC vakapa VaMugabe makomborero ekuvhura dare reparamende, vachiti izvi zvinogona kuitwa nhaurirano dzichienderera hadzo mberi.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti bato ravo haritendi kuti VaMugabe ndivo mutungamiri wenyika.

Ukuwo nhengo yeZanu-PF, VaWalter Mzembi, vanovawo nhengo yekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, vanoti zvaitwa neMDC ndezve chipwere.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG