Hurongwa hwaVaMugabe hwekuda kuumba dare remakurukota vachishanda naVaArthur Mutambara, hunenge hwarova mudhuri sezvo chikwata chaVaMutambara chave kudududza.
Dzimwe nhengo dzedare reparamende muchikwata chaVaMutambara dzinonzi dzakatsika madziro dzichishora vakuru vebato iri nekuda kubatana neZanu-PF. Nhengo dzebato iri dzange dzichiti VaMutambara vakashanda naVaMugabe, dzaizoenda kunoshanda naVaTsvangirai.
Kugeda geda kwakaitika uku muchikwata ichi, kwakapa kuti vakuru vebato iri, vadududze pahurongwa hwavo, kunyange hazvo vakamboedza kuudza nhengo idzi kuti VaTsvangirai vainge vapihwa masimba akawanda munhaurirano.
Zanu-PF iri mushishi kuyedza kuraura nhengo dzeparamende kubva muzvikwata zvose zveMDC, asi zvinonzi zviri kuiomera zvakanyanya.
VaEdwin Mushoriwa ndivo mutauriri weMDC yaVaMutambara. VaMushoriwa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti handi chokwadi kuti vari kuda kushanda neZanu-PF mudare remakurukota.
Mune imwe nyaya, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti vana sorojena varere havo muhapwa dzemakomo, havana havo kunge vanyanyopotsa paya pavakati mudzimu wakupa ronda wati nhunzi dzikudye.
Chokwadi mudzimu wapira gotsi vana veZimbabwe, nekuti zvinhu munyaya dzezve matongerwo enyika, zvava kuramba zvichinetsa, pane kuti zvigadziriswe.
VeZanu-PF neMDC vave kutorodzerana mapfumo, kuona kuti ndeupi mukono unobayiwa apo pachagadzwa nhengo dzedare reparamende, pamwe nekusarudzwa kwemutauriri wedare iri.
MDC inoti kuvhurwa kwedare iri kunokanganisa chibvumirano chakanyoreranwa nemusi wa21 Chikunguru nemapato ose ari munhaurirano chekuti dare rimbomira kuvhurwa kusvika nhaurirano dzapera. Asi mamwe magweta anoti chibvumirano ichi hachingamise kuvhurwa kweparamende, sezvo chisiri mutemo wenyika.
Sezvo pasina bato rine zvigaro zvakakwana kuti risarudze roga mutauriri wedare reparamende, pamwe nemutevedzeri wake, zvinonzi mapato ose ari kumhanyamhanya kuti nhengo yawo itore chigaro chakakosha ichi.
Mukurukurura nyaya iyi mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro naVaGlen Mpani, Regional Director vesangano reCentre for the Study of
Violence and Reconciliation muCape Town, uye VaDewa Mavhinga gweta. Vaviri ava vanoti VaMugabe havana simba rekuvhura dare sezvo vasina kuvhoterwa nevanhu.