Mhirizhonga inonzi iri kuramba ichienderera mberi mudunhu reManicaland, zvichitevera mashoko ekuti vaimbove varwiri vehondo yerusununguko, vari kuda kudzinga mumwe murimi wechichena ari kurima papurazi reCidimu riri kuOld Mutare. Zvinonzi neChitatu vanhu ava vakashanyira murimi uyu, vachimuzivisa kuti vari kuda kutora purazi iri, uye kuti iye ange abva panopera mwedzi uno.
Studio 7 yabata murimi uyu, uyo abvuma kuti akashanyirwa, asi ati
anozokwanisa kutaura nesu chete mukutanga kwemwedzi unouya. Studio 7 haina kukwanisa
kutaura nevaimbove varwiri vehondo yerusununguko, kanawo vakuru muZanu PF mudunhu iri, kuti tinzwe divi
ravo.
Svondo
rapera, vakarwa hondo ava vakaedza zvakare kutora rimwe purazi riri kwaRusape
nechisimba. Kunyange hazvo mhirizhonga yadzikira zvikuru mune mamwe matunhu, vanhu
vachiri kushungurudzwa zvakanyanya mudunhu reManicaland nevatsigiri veZanu PF. Nzvimbo
dzinonzi dzichiri kunyanya kunetsa kufamba ndedzinoti Buhera South, Makoni South
neChimanimani.
Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, Professor John Makumbe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti chimwe chinhu chiri kuita kuti mhirizhonga irambe ichienderera mberi mudunhu reManicaland inyaya yekuti vagari vemudunhu iri vakaramaba kare hutongi hweZanu PF, izvo zvava kuita kuti vaoneswe chitsvuku.