Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti
vanhu vakatarisana nedambudiko reHIV/AIDS havachakwanisi kuwana rubatsiro
rwavaisimboona nepamusana penyaya dzezvematongerwo enyika, idzo dzaita manyama amire
nerongo.
Masangano anobatsira vanorarama neHIV/AIDS ataura neStudio7,
anoti ave kutotya kuenda kumaruva kunopa rubatsiro rwedzidziso, mishonga, kana
zvekudya zvinodiwa pakusimbisa muviri kana kuti mishonga ishande zvakanaka,
zvisinei nekuti hurumende yakati ichavapa mvumo yekuita izvi.
Executive Director ve Community Working Group on Health, VaItai
Rusike, vanoti zvavari kuona munzvimbo dzinogara vanhu, zviri kuratidza pachena
kuti vanorwara vose, kusanganisira vane hutachiwana hwe HIV/AIDS, vari panguva
yakaoma.
Mutori wenhau weStudio7, Carole Gombakomba, naVaRusike
kuti tinzwe dambudziko rakatarisana nevanhu vanorarama neHIV/AIDS.