Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veSADC Vozeya Nyaya yeZimbabwe


Vanhu vanosvika zviuru zviviri varatidzira neMugovera pakavhurwa kwemusangano wevatungamiri venyika dzemu SADC muJohannesburg kuSouth Africa.

Vanhu ava vanoti havasi kuda kuti VaMugabe vange vari pamusangano uyu, sezvo vasina kusarudzwa nevanhu vemuZimbabwe. Asi SADC yapa VaMugabe chiremera chemutungamiri wenyika, ndokubvumidzawo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kupinda mumusangano uyu.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano uyu, gurukota rinoona nezvekunze kweZambia, VaKabinga Mpande, avo vanga vakamirira mutungamiri wenyika yavo, VaLevy Mwanawasa, avo vari muchipatara, vati sarudzo yakaitwa muZimbabwe yakasvibisa chimiro cheSADC. VaMpande vatiwo SADC inofanirwa kutora matanho akasimba panyika dzinotyora zvibvumirano zvesangano iri.

Mumashoko avo ekutambira chigaro cheSADC, mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vati nyika dzemuSADC dzinofanirwa kubatsira Zimbabwe mukugadzirisa gakava riri munyika iyi. Vatiwo vane chivimbo chekuti nhaurirano pakati peMDc neZanu PF, dzichafamba zvakanaka, kuitira kuti munyika iyi muve nerunyararo.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Benedict Nhlapho, nyaya yeZimbabwe ndiyo yataurwa zvakanyanya pamusangano uyu, uye SADC iri kutarisirwa kubuda nezvisungo neSvondo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG