Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBotswana Oramba Kugara Patafura naVaMugabe


Bazi rinoona nezvekudyidzana kweBotswana nedzimwe nyika, rabuditsa mashoko ekuti mutungamiri wenyika iyi, Lieutenant General Khama Ian Seretse Khama, havachaendi kumusangano wevatungamiri venyika dzemuSADC.

Botswana inoti yatora danho iri sezvo kusarudzwa kwaVaMugabe, kwakaitwa nenzira inotyora mitemo yesarudzo yeSADC, African Union, pamwe neUnited Nations. Gurukota rinoona nezve kunze kweBotswana, VaPhandu Skelemani, vaudza Studio 7 kuti vachamira nenyaya yavo, uye havana basa nazvo pakashaya anovatsigira panyaya iyi.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaGabriel Shumba, Executive Director veZimbabwe Exiles Forum, avo vanoti vazhinjji vari kufadzwa nedanho ratorwa neBotswana, uye izvi zvinoratidza kuti dzimwe nhengo dzeSADC dziri kubata zvine hudzamu kutyorwa kuri kuitwa mitemo yeSADC neZimbabwe naVaMugabe.

VaShumba vaudzawo Blessing Zulu weStudio7, kuti ivo pachavo vakwidza SADC kumatare edzimhosva vachikumbira kuti matare aya ape mutongo unorambidza VaMugabe kupinda mumusangano weSADC, sezvo vasina kusarudzwa nezvizvarwa zveZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG