Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yonetsa VaTsvangirai neVamwe Vavo


Hurumende yamborambidza mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vakuru vebato ravo, kubuda munyika, mushure mekuvatorera magwaro avo ekufambisa. Varambidzwa kubuda munyika pamwe naVaTsvangirai vanosanganisira munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, pamwe munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Professor Eliphas Mukonoweshuro.

VaTsvangirai nevamwe vavo vanga vachida kuenda kumusangano we SADC ku South Africa. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyaya yekuti vatatu ava vatorerwe magwaro avo ekufambisa yabva kuvakuru vesangano reJoint Operation Command, iro rine vakuru vechiuto nemapurisa.

Vakuru ava vanonzi havasi kufara zvachose nenyaya yekuti paitwe hurumende yemubatanidzwa, uye vanga vasingadi kuti VaTsvangirai vaende kumusangano we SADC. Asi zvinonzi mushure mekunge vamwe vakuru venyika dzemu SADC vadya marasha nezvaitwa nehurumende yaVaMugabe vachiti VaTsvangirai vanofanira kuva pamusangano uyu, VaTsvangirai vadzorerwa magwaro avo, pamwe nevamwe vavo.

Asi VaTsvangirai vava kutarisirwa kuenda ku South Africa neMugovera. VaBiti vanonzi vazokwanisa kuenda ku South Africa nendege yemanheru.

Bepanhau reHerald riri kuendererawo mberi richinyomba VaTsvangirai richiti vava kuchinja maitiro mushure mekunge vambobvumirana nevamwe vavo, kusainirana chibvumirano chezvakabuda munhaurirano.

Izvi zvabuda mubepanhau reHerald, iro riri kuyedza zvikuru kusvibisa chimiro chaVaTsvangirai, richiti vatsvangirai munhu anopihwa mazano ne britain.

Mutori wenhau weStudio7, Blessing Zulu, abvunza VaTsvangirai zvaitika panhandare uye mhinduro yavo kune zviri kubuda muHerald.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG