Accessibility links

Breaking News

SADC Yotaura Pamusoro peNhaurirano dzeMDC neZanu PF

Musangano wemakurukota anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mudunhu reSADC, atanga musangano neChina muJohannesburg.

Mumashoko avo pakuparura musangano uyu, gurukota rinoona nezvekudyidzana kweSouth Africa nedzimwe nyika, Mai Nkosazana Dhlamini Zuma, vati SADC iri kufadzwa nekunyorerana pasi chibvumirano che Memorandum Of Understanding pakati pe ZANU-PF neMDC, vachiti izvi zvichabatsira kugadzirisa matambudziko ari muZimbabwe.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Professor Oliver Saasa vekuZambia, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe, kusanganisira kumbotora kwayaita magwaro ekufambisa aVaTsvangirai nevamwe vavo, zvabuditsa pachena kuti SADC ine basa guru pakugadzirisa zviri kunetsa muZimbabwe, uye nyaya yeZimbabwe, ndiyo iri kutemesa dunhu reSADC rose musoro.

VaPhillip Pasirai vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Senior Programs Offficer musangano re Crisis in Zimbabwe Coalition.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaPasirayi avo vanoti zvakakosha kuti VaTsvangirai vange varipo pamusangano uyu, sezvo sarudzo yemutungamiri wenyika yemuna Kurume, yakabudzitsa pachena kuti VaMugabe vakakundwa musarudzo iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG