Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzichiri Kurapwa Maronda Akakonzerwa neMhirizhonga

Bato reMDC kuManicaland rinoti nhengo dzaro dzinosvika makumi mana neshanu dzakakuvadzwa zvakaipisisa munguva yemhirizhonga, dzasvika kumahofisi ebato iri ari maMutare dzichida kubatsirwa kuti dzionekwe zvakare navana chiremba.

Zvinonzi vamwe vevakakuvara ava vanotarisirwa kuiswa dzimwe nyama pamaronda avo, sezvo akadzika zvikuru. Mumwe wevakakuvadzwa ava, VaMaxwell Vhiyachacha, vanonzi vakazoshaya nemusi weChipiri mushure mekurohwa zvakaipisisa nevatsigiri veZanu PF svondo raitwa sarudzo yerun-off.

Imwe nhengo yebato iri, Runyararo Mugauri, uyo anonzi akarohwa zvakaipisisa munaChivabvu nevatsigiri veZanu PF pamwe nemasoja kuChiweshe, anonzi akashayawo nemusi weMugovera. Mugauri anonzi akashayira kune chimwe chipatara muHarare. Bato reMDC rinoti kufa kwevarume vaviri ava kwasvitsa huwandu hwenhengo dzaro dzafa pazana nemakumi maviri nevatanhatu.

Mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kune vakawanda vari mudzimba vane maronda asi vakatadza kuwana rubatsiro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG