Apo
musangano wevatungamiri venyika dzemuSADC uri kutarisirwa kutanga muJohannesburg
nemusi weMugovera, paita mutauro panyaya yekuti VaMugabe voenda semutungamiri
wenyika here, pamwe nekuti MDC inofanirwa kukokwawo here kumusangano uyu.
Mashoko anoti vatungamiri veMDC
inotungamirwa naVaTsvangirai, vari kuenda kumusangano uyu svondo rino. Ukuwo mutungamiri werimwe divi reMDC, VaArthur Mutambara, vanoti havana kukokwa kumusangano uyu.
Executive Secretary veSADC, Va
Tomaz Salomao, vakati musangano weSADC uri kuda kuzeya zvizere nyaya
dzezvematongerwo enyika munyika dzisina kugadzikana, idzo dzinosanganisira Zimbabwe,
Democratic Republic of Congo, Lesotho, Malawi, neSouth Africa, umo makaitika
zhowe zhowe apo vagari vemunyika iyi vakauraya pamwe nekushungurudza zvizvarwa
zvedzimwe nyika.
VaFarai Maguwu vanoongorora zvematongerwo enyika. Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMaguwu avo vanoti kunyange hazvo vaMbeki vasina zvakasimba zvekunotaura pamusoro pehurukuro dziri pakati peMDC neZANU-PF, vachange vachizvirova dundundu kuti vakagadza VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara patafura imwe chete, zvisati zvamboitwa mumakore masere apfuura.