Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Inokurudzira SADC Kutorera Zimbabwe Matanho


Sangano reHuman Rights Watch raburitsa gwaro riri kukurudzira SADC kuti itorere Zimbabwe matanho akaomarara sezvo hurumende yaVaMugabe yakatyora kodzero dzevanhu pamwe nekushungurudza vanhu munguva yesarudzo dzichangopfuura.

SADC iri kutarisirwa kusangana musi wa16 mwedzi uno muSouth Africa, apo mutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mbeki, vari kutarisirwa kutura kusangano iri panenge pasvika nhaurirano pakati peMDC neZanu PF. Human Rights Watch inotiwo hurumende ichazoumbwa mune remangwana, inofanirwa kutarisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu, uye vakaita izvi vachimiswa pamberi pematare edzimhosva.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Professor John Makumbe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanowirirana nepfungwa yeHuman Rights Watch yekuti SADC itore matanho pana VaMugabe kuitira kupodza maronda.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG