Nhaurirano pakati pezvikwata zviviri zveMDC neZanu-PF dziri kuenderera mberi muHarare mushure mekutadza kuwirirana kutanga neSvondo kusvika mangwanani eMuvhuro.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaArthur Mutambara vechimwe chikwata cheMDC, ndivo vari kusangana munhaurirano idzi.
Nyaya inonzi iri kunetsa panhaurirano inyaya yekuti VaMugabe vari kuda kuramba vaine masimba avo ose semutungamiri wenyika, uye vari ivo vanoda kudoma dare remakurukota uye kuva sachigaro waro.
VaMugabe vanonzi vanodazve kuramba vakabata matomu kumaut, mapurisa nevasori. VaTsvangirai vari kuramba kuti vangove mutungamiri wehurumende asina masimba, vachingoita zvavanenge vaudzwa naVaMugabe chete.
VaTsvangirai vari kuti vanoda kuva mutungamiri wehurumende ane masimba, uye mu Executive mavo, munenge musina VaMugabe. VaTsvangirai vari kuti VaMugabe vanofanirwa kuva “ceremonial president", asina masimba, izvo zviri kurambawo kutambirwa naVaMugabe. VaMutambara vari kumhanyamhanya kuMDC neZanu-PF kuti vaitwe mutevedzeri wemutungamiri wehurumende.
Imwe nyaya yanetsawo inyaya yekuti dare remakurukota rinenge rakakura zvakadii. Zanu-PF inoda makurukota makumi matatu nemasere, ukuwo MDC ichida makumi maviri nevaviri kana zvaoma makumi maviri nematanhatu.
Hapanawo kuwirirana pamapato aya panyaya yebumbiro remitemo. Asi zvavatenderana zvinosanganisa nyaya yekuti hapafanire kuitwa sarudzo kana nhengo yeparamende yeHouse of Assembly, Senate, kana kanzura afa kwegore rose. Bato rine munhu abva, rinodoma iro warinoda kumutsiva.
VaMsekiwa Makwanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika.
VaMakwanya vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vanofanira kugovana masimba zvakafanira naVaTsvangirai.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...