Nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF muSouth Africa dzakapetwa neChishanu zvibvumirano zvakabuda zvacho zvave kutarisirwa kuendeswa kuvakuru vemapato ari muhurukuro, VaRobert Mugabe veZanu-PF, nevatungamiri vezvikwata zviviri zveMDC VaMorgan Tsvangirai naVaArthur Mutambara.
Asi kunyange paita kuwirirana uku, pane mhute yavapo nekuti
hurumende yaVaMugabe inenge yoramba iine tsika dzayo dzekare. NeChina
hurumende yange ichirambidza nhumwa yeUnited Nations kuZimbabwe, VaHaile Menkerios, kupinda munyika.
Vakuru vehurumende vaudza Studio 7 kuti havaoni chikonzero chekuti VaMenkerios vapinde munyika, sezvo nhaurirano dzasvika padanho repamusorosoro. Pane pfungwa muhurumende yekuti VaMenkerios vari kushandiswa nenyika dzakaita seBritain neAmerica.
Asi vakuru ava vanoti vari
kuudza VaMenkerios kuti vose vanenge vari pazororo remagamba nekudaro hapana
wavanokwanisa kuona. VaMenkerios vari muSouth Africa pari zvino vakamirira
kupihwa mvumo yekupinda munyika.
Mutauriri weUnited Nations, vaFarhan Haq,
vaudza Studio 7 kuti pane zvinhu zvichiri kuda kugadziriswa VaMenkerios vasati
vaenda kuZimbabwe.
VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica vaudza mutori wenhau kuti kunyangwe nhaurirano dzoenda kumagumo vanhu vanofanira kutenda maruva vadya chakata.