Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naVaMugabe Votarisirwa Kusangana neChina


Nyaya yekuti ndiyani achange aine masimba muhurumende inenge yakafanobata matomu munyika ingangopedzwa neChina kana musangano pakati paVaRobert Mugabe veZanu-PF naVaMorgan Tsvangirai veMDC ukaenderera mberi muHarare neChina.

Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vari kutarisirwa muHarare neChina kuti vazeye nyaya iyi. Vari muhurukuro idzi vari kurambawo mashoko ekuti pakatobvumiranwa kare kuti VaMugabe vanenge vasisina masimba muhurumende itsva.


Nyaya yekudomwa kwemagavhuna inonzi iri kurambawo ichinetsa. MDC inoti inoda kuti vaite magavhuna mashanu mashanu neZanu PF.

Asi Zanu-PF yave kutsika madziro ichiti inoda akawanda kana kuti zvemagavhunazvacho zvibviswe zvachose.

Zvichakadaro, nhumwa ye United Nations kuZimbabwe, VaHaile Menkerios, vanova zvakare United Nations Assistant Secretary General for Political Affairs, vange vachitarisirwawo kusvika muSouth Africa neChitatu umo vari kutarisirwa kuita hurukuro naVaMbeki muPretoria vasati vaitazve mumwe musangano naVaMugabe naVaTsvangirai muHarare.

VaMenkerios vari muchikwata chiri kubatsirana naVaMbeki mukugadzirisa gakava rezve matongerwo enyika riri munyika, uye vari kuda kuona kuti pane zvafamba here kusvika pari zvino.

VaGlen Mpani ndivo Regional Coordinator paCentre for the Study of Violence and Reconciliation muCape Town, South Africa.

VaMpani vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti VaTsvangirai vanofanira kuwana masimba akawanda sezvo vakambokunda musarudzo dzisina mutauro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG