Accessibility links

Breaking News

Musangano wekuMexico Wotsvaga Zvingabatsire Vanhu Munyaya  dzeHIV/AIDS

Vamwe vanorarama pamwe nekurwira kodzero dzevanorarama nehutachiwana hweHIV/AIDS, vari kumusangano we17th International AIDS Conference kuMexico, vanoti vari kufadzwa nedanho riri kutorwa nevechidiki kumusangano uyu.

Amai Lynde Francis, vesangano re The Center, avo vari ku Mexico, vaudza Studio7 kuti ichi chiratidzo chekuti vechidiki vave kuzvipira mukutorawo matanho ekuedza kutsvaga nzira dzekurwisana nechirwere ichi.

Zvisinei Amai Francis vatnoi musangano uyu uri kupindwa nevanhu vanosvika 22 000 wakakurisa, zvekuti vanhu vanogona kutadza kubata zvingavabatsira pakurwisana neHIV/AIDS.

Mai Francis vawedzera vachiti vanhu vazhinji vavari kusangana navo kumusangano uyu, vari kuda kuziva zviri kuitika muZimbabwe panyaya dzezvematongerwo enyika, uye vanonzi vari kuda kuziva kuti zvirongwa zvinobatsira vanorarama neHIV/AIDS, zviri kuvhiringwa sei nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aitawo hurukuro naMuzvare Martha Tholana, avo vanorwira kodzero dzevanorarama neHIV/AIDS, uyezve vari acting Coordinator ve Network of Positive Women.

Muzvare Tholana vanoti vanogutsikana nedanho rakatorwa nemamwe masangano akaunza madzimai ekumaruva, kuti vazvinzirewo zvirikuika panyaya dzekutsvaga rubatsiro munyaya dzeHIV/AIDS.

Dzimwe nhau kubva ku Studio7...

XS
SM
MD
LG