Accessibility links

Breaking News

Matare Orerutsira Dzimwe Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa


Magweta ari kumirira nhengo dzeMDC dzakasungirwa nyaya dzezvematongerwo enyika anoti kwasara vanhu vashoma vachiri muhusungwa sezvo vazhinji vavo vari kupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. Magweta aya anoti hurumende yakanyevenutsa mwoyo kubva pane zvaimboitika mazuva apera, apo yaipika kuti hapana anopiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kana asungirwa zvemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Nhengo dzeMDC, kusanganisira munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, dzakasungwa dzikagara muzvitokisi zvemunyika kwemazuva akawanda dzichinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, asi nhengo dzeZanu PF dzichinzi dzichipiwa mukana uyu. Hurukuro dzemapato ezvematongerwo enyika dziri kuitwa kuSouth Africa pari zvino, dzinenge ndidzo dziri kupa kuti hurumende idzore mwoyo panyaya dzemhirizhonga idzi.

Gweta riri kumirira nhengo dzeMDC richishanda nekambani yeMbidzo, Muchadehama and Makoni, VaCharles Kwaramba, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kunzwawo kuti dzimwe nhengo dzeZanu PF dzakaparawo mhosva dzezvematongerwo enyika munguva yesarudzo, dzava kusungwawo dzichipiwawo mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG