Magweta ari kumirira nhengo dzeMDC dzakasungirwa
nyaya dzezvematongerwo enyika anoti kwasara vanhu vashoma vachiri muhusungwa
sezvo vazhinji vavo vari kupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. Magweta aya
anoti hurumende yakanyevenutsa mwoyo kubva pane zvaimboitika mazuva apera, apo
yaipika kuti hapana anopiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kana asungirwa
zvemhirizhonga yezvematongerwo enyika.
Nhengo
dzeMDC, kusanganisira munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, dzakasungwa
dzikagara muzvitokisi zvemunyika kwemazuva akawanda dzichinyimwa mukana
wekubvisa mari yechibatiso, asi nhengo dzeZanu PF dzichinzi dzichipiwa mukana
uyu. Hurukuro dzemapato ezvematongerwo enyika dziri kuitwa kuSouth Africa pari
zvino, dzinenge ndidzo dziri kupa kuti hurumende idzore mwoyo panyaya dzemhirizhonga
idzi.
Gweta riri kumirira nhengo dzeMDC richishanda nekambani yeMbidzo, Muchadehama and Makoni, VaCharles Kwaramba, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kunzwawo kuti dzimwe nhengo dzeZanu PF dzakaparawo mhosva dzezvematongerwo enyika munguva yesarudzo, dzava kusungwawo dzichipiwawo mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...